Mukana

2 views

Lyrics

Pukuta misodzi handikupire gotsi
 Chinguvana bedzi
 Tongokumbira tenzi kuti vatichengete
 Kusvika taonana zve
 Ini handikurase,handizombokanganwe
 Kana ndikawana mukana ini ndichakunyorera tsamba
 Zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ndigoziva wakasara sei
 Kana ndikawana mukana
 Ini ndichakunyorera tsamba
 Zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ugoziva ndakafamba sei
 Ndangariro nerudo ndozvondoenda nazvo
 Nayo mifananidzo yenguva yemafaro kuti kana ndosuwa zvozondivaraidza
 Misi yese nenguva ndorega kukanganwa
 Kana ndikawana mukana
 Ini ndichakunyorera tsamba
 Zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ndigoziva wakasara sei
 Kana ndikawana mukana ini ndichakunyorera tsamba
 Zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ugoziva ndakafamba sei
 Ndoenda ndikashaiwa mukana babie
 Asi ziva kuti ndinokuda and chero
 ipi zvayo nguva rudo rwangu harushanduke
 Kana ndikashaiwa mukana wani asi ziva kuti
 ndinokuda and chero ipi zvayo nguva rudo rwangu harushanduke
 Sara zvakanaka
 Sara zvakanaka
 Sara zvakanaka
 Sara zvakanaka
 Kana ndikawana mukana ini ndichakunyorera tsamba
 Zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ndigoziva wakasara sei
 Kana ndikawana mukana ini ndichakunyorera tsamba
 Zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ugoziva ndakafamba sei
 Kana ndikawana mukana ini ndichakunyorera tsamba
 zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ndigoziva wakasara sei
 Kana ndikawana mukana ini ndichakunyorera tsamba
 zvichida ndichachaya ruri runhare kuti ugoziva ndakafamba sei

Audio Features

Song Details

Duration
04:24
Key
8
Tempo
154 BPM

Share

More Songs by Alexio Kawara

Similar Songs