Murume

3 views

Lyrics

Murume kana uchinge washinga kuroora chiziva kuti mukadzi ndewako
 Usambomushungurudza, kumurwadzisa kusvika pakufunga kuti
 Kuti, "Koo ndasiyana nezvandaive ndiri here kare?"
 Koo kunge kusema kwabvepikozve?
 ♪
 Murume kana uchinge washinga kuroora chiziva kuti mukadzi ndewako
 Usambomushungurudza, kumurwadzisa kusvika pakufunga
 Kuti, "Koo ndasiyana nezvandaive ndiri here kare?"
 Koo kunge kusema kwabvepikozve?
 ♪
 Pakarepo varume tinokakanganwa vanhu vedu naivo madzimai hwakasiyana
 Wototora mukana nekuti samai vanoyamwisa
 Pfungwa nomeso huona sekunge vatokwegura
 Rudo rwakare ruye makavigepi?
 ♪
 Pakarepo varume tinokakanganwa vanhu vedu naivo madzimai hwakasiyana
 Wototora mukana nekuti samai vanoyamwisa
 Pfungwa nomeso huona sekunge vatokwegura
 Rudo rwakare ruye makavigepi?
 Fukunurai, maiwe rubude pachena, hoo
 Fukunurai, maiwe rubude pachena, hoo
 ♪
 Makore mangani amagara muri baba namai?
 Kudai asingade dai akaenda zvichangotanga
 Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima
 Makore mangani amagara muri baba namai?
 Kudai asingade dai akaenda zvichangotanga
 Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima
 Mudzimai anokura rumwechete
 Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe
 Mudzimai anokura rumwechete
 Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe
 Musikana anokura rumwechete
 Kana ada anopa rudo akaperera pauri iwe
 Kana wamudaro achafunga zvipi?
 Semukadzi wako iye wawakashara
 Kunyangwe murudo wotomutasamura sei?
 Kana wamudaro achafunga zvipi?
 Semukadzi wako iye wawakashara
 Kunyangwe murudo wotomutasanura sei?
 Wodiniko mumwe wako?
 Vanamaiwe (nguva ndiyoi)
 Vanamai (nguva ndiyoi), vanamaiwe (nguva ndiyoi)
 Ratidzai (nguva ndiyoi), varume ndevenyu (nguva ndiyoi)
 Vanababa (nguva ndiyoi), vanababawe (nguva ndiyoi)
 Ratidzai (nguva ndiyoi), madzimai ndenyu (nguva ndiyoi)
 Chikomana (nguva ndiyoi), chikomawe (nguva ndiyoi)
 Ratidzawo musikana ndewako
 
Audio Features

Song Details

Duration
12:47
Key
1
Tempo
123 BPM

Share

More Songs by Alick Macheso

Similar Songs