Gumi Remitemo

3 views

Lyrics

Ndakambodai ndashanyira shamwari yangu, takagara mumba tichifara
 Ndokubva mweya mutvene wandizadza, ndakanzwa inzwi raivo vematenga
 Richiti, "Taurira wanhu wose waripasi, zvitema zvavo kwandiri zvawanda
 Wakangamwa gumi remitemo, ini nyika ndava kuiparadza"
 Ndakabvunza, "Baba, chatinotadza chii? Gumi remitemo, inga tinoiziva"
 Vakati, "Mwana, ndini ndinosika wanhu, zvokufa kwavo ndini ndinozviziva
 Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano
 Ane mvumo yekuuraya mumwe munhu kunze kwangu"
 Ndakachema, Baba, "Kudai matiregerera, pane chimwe here chatinokanganisa?
 Wakati, "Mwana, zvekuti wanhu waroorane, kana kuiita vana, ndini ndinovapa
 Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano
 Ane mvumo yekutengesa mumwe munhu kunze kwangu"
 Ndakachema, "Baba, zvamandiudza ndazvinzwa, pachine chimwe here chatinokanganisa?
 Wakati, "Mwana, mvura ndinokupai pachena, ivhu rokugara, ndinokupai mahara
 Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano
 Ane mvumo yekutengesa zvinhu izvi kunemumwe"
 Ndakachema, "Baba, zvamandiudza ndazvinzwa
 Ndichawaudza kuda wangarega
 Wakati, "Mwana, wanhu pasi wanenharo
 Nguva ichakwana, ndichavaparadza"
 ♪
 Pasi rino richaguma wana baba
 Pasi rino richaguma wakomana
 Wematenga waneshungu wana mai
 Wematenga waneshungu wana baba
 Wematenga waneshungu wasikana
 Wematenga waneshungu wakomana
 Pasi rino richaguma wana mai
 ♪
 Pasi rino richaguma wakomana
 Pasi rino richaguma wasikana
 Wematenga waneshungu wana baba
 Wematenga waneshungu wakomana
 Wematenga waneshungu wana mai
 Wematenga waneshungu wasikana
 Pasi rino richaguma wana baba
 Pasi rino richaguma wakomana
 

Audio Features

Song Details

Duration
07:16
Key
6
Tempo
141 BPM

Share

More Songs by Hosiah Chipanga

Similar Songs