Ayude

3 views

Lyrics

Varume
 Ndikafunga kapuka kanonzi rudo (vakomana)
 Dzimwe nguva hana yangu inorova (veduwe)
 Ndikafunga kapuka kanonzi rudo (vakomana)
 Dzimwe nguva hana yangu inofara (varume)
 Ndikafunga kapuka kanonzi rudo (vakomana)
 Dzimwe nguva hana yangu inorova (pane vamwe)
 Pane vamwe vana baba vakatisiya (chokwadi)
 Pamusana pake iye rudo (pane vamwe)
 Pane vamwe vana mai vakatisiya (chokwadi)
 Pamusana pake iye rudo
 Vazhinji (vazhinji vacho tarirai varikufara)
 Chokwadi (pamusana pake iye rudo)
 Vazhinji vacho (vazhinji dzimba dzakatomira)
 Ingawani (pamusana pake iye rudo)
 Vazhinji vacho (vazhinji vacho tarirai tarirai vakatopfuma)
 Chokwadi (pamusana pake iye rudo)
 Vamwe vacho (vamwe vacho tarirai varikushanda)
 Ingawani (pamusana pake iye rudo)
 Vamwe vacho (vamwe vacho mabasa akatopera)
 Chokwadi (pamusana pake iye rudo)
 Vamwe vacho (vamwe vacho tarirai vakatosuwa)
 Ingawani (pamusana pake iye rudo)
 Varume
 Ndikafunga kapuka kanonzi rudo (vakomana)
 Dzimwe nguva hana yangu inorova (veduwe)
 Ndikafunga kapuka kanonzi rudo (vakomana)
 Dzimwe nguva hana yangu inofara (ndafunga)
 Ndikafunga kapuka kanonzi rudo (vakomana)
 Dzimwe nguva hana yangu inorova
 Tarira vamwe varikuchema nerudo
 Chiona vamwe vakagarika ivava
 Tarira vamwe varikuchema nerudo
 Chiona vamwe vakagarika ivava
 Tarira mumwe varikuchema nerudo
 Chiona mumwe vakagarika ivava
 Koiwe unochemei usina kumbotukwa iwe
 Rudo rwunochemedza dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwuchinaka dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwunochemedza dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwuchinaka dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwunochemedza dzimwe nguva, ohh
 Asi rwuchinaka dzimwe nguva, ohh
 Koiwe unochemei usina kumbotukwa iwe
 Rudo rwunochemedza dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwuchinaka dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwunochemedza dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwuchinaka dzimwe nguva, ohh
 Rudo rwunochemedza dzimwe nguva, ohh
 Asi rwuchinaka dzimwe nguva, ohh
 Rudo kana rwonaka
 Rwunodeedzera, "Maihwe ndanakidzwa"
 Huya uone
 Asi kana chobvondoka
 "Iii maihwe ndabaiwa kamoyo kangu"
 Rudo kana rwonaka
 Rwunodeedzera, "Maihwe ndanakidzwa"
 Huya uone
 Asi kana chobvondoka
 "Iii maihwe ndabaiwa kamoyo kangu"

Audio Features

Song Details

Duration
07:40
Key
7
Tempo
132 BPM

Share

More Songs by Khiama Boys

Similar Songs