Zimbabwe

3 views

Lyrics

Ini ndinochema kwamuri nyika veduwe
 Ini ndinokumbira kwamuri veduwe
 Ini ndinochema kwamuri vana amai
 Ini ndinokumbira kwamuri vana baba
 Tikabatana nyika inokura iyi
 Tikawirirana chete nyika inofamba iyi
 Tikave netsitsi nyika inokura iyi
 Tikave nerudo nyika inofamba iyi
 Tikave nerunyararo nyika ingafare iyi
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inofamba iyi
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inopfuma iyi
 Hatidi kushorana, hatidi kutukana
 Hatidi kupondana, hatidi kuvengana
 ♪
 Hazvine mhaka iwe uri muShona
 Hazvina mhosva ini ndiri muNdebele
 Hazvine mhaka iwe uri mupfumi
 Hazvina mhosva ini ndiri murombo
 Hazvine mhaka iwe une ganda dema iri
 Hazvina mhosva uyu ane ganda jena
 Hazvine mhaka iwe uri mambo
 Hazvina mhosva ini ndiri muranda wako
 Chikuru chacho tiri vedunhu rimwe
 Chikuru chacho tiri venyika imwe
 Chikuru chacho tiri vedunhu rimwe
 Chikuru chacho tiri venyika imwe
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inofamba iyi
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inopfuma iyi
 Hatidi kushorana, hatidi kutukana
 Hatidi kupondana, hatidi kuvengana
 ♪
 Ini ndinochema kwamuri nyika veduwe
 Ini ndinokumbira kwamuri veduwe
 Ini ndinochema kwamuri vana amai
 Ini ndinokumbira kwamuri vana baba
 Tikabatana nyika inokura iyi
 Tikawirirana chete nyika inofamba iyi
 Tikave netsitsi nyika inokura iyi
 Tikave nerudo nyika inofamba iyi
 Tikave nerunyararo nyika ingafare iyi
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inofamba iyi
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inopfuma iyi
 Hatidi kushorana, hatidi kutukana
 Hatidi kupondana, hatidi kuvengana
 Hazvine mhaka iwe uri muShona
 Hazvina mhosva ini ndiri muNdebele
 Hazvine mhaka iwe uri mupfumi
 Hazvina mhosva ini ndiri murombo
 Hazvine mhaka iwe une ganda dema iro
 Hazvina mhosva uyu ane ganda jena
 Hazvine mhaka iwe uri mambo
 Hazvina mhosva ini ndiri muranda wako
 Chikuru chacho tiri vedunhu rimwe
 Chikuru chacho tiri venyika imwe
 Chikuru chacho tiri vedunhu rimwe
 Chikuru chacho tiri venyika imwe
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inofamba iyi
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Hongu ndinoziva, hongu ndine vimbo
 Tikawirirana chete nyika inokura iyi
 Tikabatana Zimbabwe inopfuma iyi
 Hatidi kushorana, hatidi kutukana
 Hatidi kupondana, hatidi kuvengana
 

Audio Features

Song Details

Duration
12:09
Key
9
Tempo
119 BPM

Share

More Songs by Tongai Moyo & Utakataka Express

Similar Songs