CHAURUKA

3 views

Lyrics

Kutonhodzwa kwaChauruka
 Huhwi huhwi, huhwi huhwi
 Huhwi huhwi, huhwi huhwi
 Ndandi go round, yeah
 Iwe iwe
 Variko mukurarama kwedu (Chamakuvangu)
 Vanozvitutumadza tikuona zvedu
 (Iwe iwe iwe nhai)
 Vanoteedzera kurira ngoma inoti pangu-pangu (inini zvangu)
 Nyangwe kunoku Oskid inorira pangu pangu
 (Maiwe iwe iwe)
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vaive denga vachaburuka
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vaipembera vachasuduruka
 Pacharira mupururu (mupururu)
 Mupururu (mmmh)
 Pacharira mupururu (mupururu)
 Mupururu
 Pasi pano hapanzwarwo
 Pakaturunura mikono
 Kudzikama kune mubairo, saka famba uine muono
 Vamwe vachiti ndisu vachenjeri vakabva kuMabvazuva
 Muchatsigirwa nevanyengeri, muchatadza kupapfuura
 Saka dzikama wamai, dzikama
 Dzikama, dzikama
 Saka dzikama wamai, dzikama
 Dzikama, dzikama
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vaive denga vachaburuka
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vaipembera vachasuduruka
 Pacharira mupururu
 Mupururu
 Pacharira mupururu
 Mupururu
 Heya
 Remekedza vanodzika gomo paunorikwidza iwe
 Nokuti paunenge wavakudzidza vanogona vorikwidza iwe
 Munhu wese wenyama anodarika
 Saka rega kundidadira
 Chete iwewe hauudzike
 Chete iwewe hautsiurike
 (Nhai veduwe) Iwe iwe
 Chinobhururuka chinomhara, usabva wanyanyozvikudza kuvarombo
 Uchikanda matobo
 Hatisi kurwa, hatisi kurwa
 Kungotsiurana
 Uchinge wavhurwa, wavhurwa
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vanozvikudza vachaninipwa
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vanorema vachatoreruka
 Pacharira mupururu (mupururu)
 Mupururu
 Nemuridzo mhururu (mhururu)
 Hoo-ooh
 Manyemwe nemunyama zvine hochekoche, zvinofambidzana
 Vemanyemwe havatore nguva kupukuta misodzi pamatama
 Achadzikamisa hama achafara ramangwana
 Tsiuranayi pahukama
 Pakudonha mogamhana
 Haiwa dzikama wamai, dzikama
 Dzikama, dzikama
 Dzikama wamai, dzikama
 Dzikama, dzikama
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vaive denga vachaburuka
 Kutonhodzwa kwaChauruka
 Vaipembera vachasuduruka
 Pacharira mupururu
 Mupururu (mupururu)
 Pacharira mupururu
 Mupururu (mhururu)
 

Audio Features

Song Details

Duration
03:56
Tempo
126 BPM

Share

More Songs by Winky D

Similar Songs