Monalisa

3 views

Lyrics

Zvinofadza sei vamwe vangu
 Zvandakakuudzai ndinaye wangu uyo
 Mungafara sei nhai amai
 Zvandakakuudzai ndinaye wangu
 Mona, pondosvika ndipo paanonzwa moyo kusununguka
 Sezvo akatsidzira, murudo nemukutambura
 Mukuronga ramangwana, ngarive rine pundutso
 ♪
 Baba naamai kureva kwavo kwakare ngekweshingiso
 Kuvana avo (Mona)
 Baba naamai manzwi avo akare ngeekundiso
 Ngaaite moyo mutsvene, sehutsvene hwaainahwo
 Zvikanzi zvaitwa Museyamwa, mhuri dzinza rakura
 Pfungwa dzekurera kuzadzikisa huchechetere hwake
 Huve huine pundutso
 ♪
 Kuroora izita, sechitsungo chaakatsungira
 Mukuda kuroorwa uko (Mona)
 Kuroora izita, sechitsungo chaakatsungira
 Ndiyeyu mumwechete iyeye
 Mutoreiwo semwana wemumba
 Mokwetekwete marara muruvanze
 Zviito zvenyu zvive zviine pundutso
 ♪
 Haya
 ♪
 Variko uyo nauyo, vasingade kuona nhingi achidanana nanhingi
 Variko Joe naSammy, vasingade kuona Musa achidanana naMbire
 Ndakakuudzai wani, zvamaona zvishoma zvichakugwabvurai moyo yenyu
 Ndakakuudzai wani, zvamaona zvishoma zvichakugwabvurai moyo
 Yenyu, yenyu, yenyu
 Zvinofadza sei (mwana uya zvandave naye)
 Zvinofadza sei (Mona zvaava mai vemba)
 Muchafarire poyi? (Mwana uya zvandave naye)
 Muchafarire poyi? (Mona zvaava mai vemba)
 Hoiye, hoiye, iye (mwana uya zvandave naye)
 Hoiye, hoiye, iye (Mona zvaava mai vemba)
 ♪
 Zvakanaka zvakadaro (zvakadaro)
 Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (neni ndinozvidawo)
 Zvakanaka zvakadaro (zvakadaro)
 Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (neni ndinozvidawo)
 Zvakanaka zvakadaro (kupinda muchato, chero neniwo)
 Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (chero nani zvake)
 Zvakanaka zvakadaro (kupinda muchato, chero neniwo)
 Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (chero nani zvake)
 Zvakanaka zvakadaro (varume, nhai varume)
 Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (varume, varume)
 Zvakanaka zvakadaro (varume, nhai varume)
 Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (varume)
 

Audio Features

Song Details

Duration
10:37
Key
7
Tempo
125 BPM

Share

More Songs by Alick Macheso and Orchestra Mberikwazvo

Similar Songs