Monalisa
3
views
Lyrics
Zvinofadza sei vamwe vangu Zvandakakuudzai ndinaye wangu uyo Mungafara sei nhai amai Zvandakakuudzai ndinaye wangu Mona, pondosvika ndipo paanonzwa moyo kusununguka Sezvo akatsidzira, murudo nemukutambura Mukuronga ramangwana, ngarive rine pundutso ♪ Baba naamai kureva kwavo kwakare ngekweshingiso Kuvana avo (Mona) Baba naamai manzwi avo akare ngeekundiso Ngaaite moyo mutsvene, sehutsvene hwaainahwo Zvikanzi zvaitwa Museyamwa, mhuri dzinza rakura Pfungwa dzekurera kuzadzikisa huchechetere hwake Huve huine pundutso ♪ Kuroora izita, sechitsungo chaakatsungira Mukuda kuroorwa uko (Mona) Kuroora izita, sechitsungo chaakatsungira Ndiyeyu mumwechete iyeye Mutoreiwo semwana wemumba Mokwetekwete marara muruvanze Zviito zvenyu zvive zviine pundutso ♪ Haya ♪ Variko uyo nauyo, vasingade kuona nhingi achidanana nanhingi Variko Joe naSammy, vasingade kuona Musa achidanana naMbire Ndakakuudzai wani, zvamaona zvishoma zvichakugwabvurai moyo yenyu Ndakakuudzai wani, zvamaona zvishoma zvichakugwabvurai moyo Yenyu, yenyu, yenyu Zvinofadza sei (mwana uya zvandave naye) Zvinofadza sei (Mona zvaava mai vemba) Muchafarire poyi? (Mwana uya zvandave naye) Muchafarire poyi? (Mona zvaava mai vemba) Hoiye, hoiye, iye (mwana uya zvandave naye) Hoiye, hoiye, iye (Mona zvaava mai vemba) ♪ Zvakanaka zvakadaro (zvakadaro) Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (neni ndinozvidawo) Zvakanaka zvakadaro (zvakadaro) Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (neni ndinozvidawo) Zvakanaka zvakadaro (kupinda muchato, chero neniwo) Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (chero nani zvake) Zvakanaka zvakadaro (kupinda muchato, chero neniwo) Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (chero nani zvake) Zvakanaka zvakadaro (varume, nhai varume) Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (varume, varume) Zvakanaka zvakadaro (varume, nhai varume) Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (varume)
Audio Features
Song Details
- Duration
- 10:37
- Key
- 7
- Tempo
- 125 BPM