Wemakonzo
3
views
Lyrics
Ndauya naye Ndiropina wandati muroora wenyu Pemberai nekufara mudei seni mwana wenyu Ndiyeyuka mukuwasha wandati andiroore ini Kana musingamude ini ndichamwa wemakonzo Hiyaaa Hiyaaa Ndanzwa babamukuru voti mukuwasha murombo Wadii watsvaga mupfumi agara ane mari kare Hiyaaa Hiyaaa Mungamuramba zvenyu asi ndiyeyu wandada Chidamoyo kwandiri hamba yakada makwati Zvandinovimbisa kwamuri hazvinei murombo Mwari vatisanganisa vanoziva ramangwana redu ♪ (Macheso power, level) Vabereki musadaro nemi vehukama musadaro Musaite semakawanana mose muri mumari Havasi vose vakawanana dzose dziri shoroma Hoohooo ohh Vabereki musadaro nemi vehukama musadaro Musaite semakawanana mose muri mumari Havasi vose vakawanana dzose dziri shoroma Hoohooo ohh Noel Nyazanda (samu samu) Lucky Mumiriki (samu samu) Thomson Chauke (samu samu) Joe Kasamba (samu samu) Samuel Mugede (samu samu) Musa Hope (samu samu) Elton Muropa (samu samu) Alick Macheso (samu samu) Rochie Fatiya (samu samu) Vana veMberikwazvo (samu samu) ♪ Vabereki musadaro Musaite semakawanana mose muri mumari Vehukama musadaro Havasi vose vakawanana dzose dziri shoroma Ndakazviwanira wangu asinei newamaida imiwoo Ndakazviwanira wangu asinei newamaida imiwoo Kana iri pfuma inouya tave pamwe Kana iri pfuma inouya tave pamwe Havasi vose vakawanana vari vapfumi kare Havasi vose vakawanana vari vapfumi kare Mupfumi kare bodo ndichagara ndirimutyiswa, pamba pangu Mupfumi kare bodo ndichagara ndirimutyiswa, pamba pangu Handina rusununguko ndakazviwana zviripo Mhai pamba pangu Handina rusununguko ndakazviwana zviripo Mhai pamba pangu iniwoo Mhaiwoo pamba pangu iniwoo Oh, mhai pamba pangu
Audio Features
Song Details
- Duration
- 09:43
- Key
- 6
- Tempo
- 126 BPM