Tariro

3 views

Lyrics

Tariro, ndine tariro, munhu wese ane tariro yekuita zvakanaka
 Asi pamwe zvinoramba
 Tariro, ndine tariro, munhu wese ane tariro yekuita zvakanaka
 Asi pamwe zvinoramba
 ♪
 Hapana akazvarwa ari murombo nekuda
 Nyangwe murombo ane tariro yekuvawo mupfumi
 Asi pamwe zvinoramba
 Hapana akazvarwa ari murombo uyo
 Nyangwe murombo ane tariro yekuvawo mupfumi
 Asi pamwe zvinoramba
 ♪
 Hapana akazvarwa achida kufawo
 Baba vangu vaive netariro yekurarama
 Asi Mwari vakaramba
 Hapana akazvarwa achida kufawo
 Bhudhi vangu vaive netariro yekurarama
 Asi Mwari vakaramba
 ♪
 Hapana akazvarwa iri nzenza nekuda
 Nyangwe nzenza yaive netariro yekuvaka imba yayo
 Asi pamwe zvikaramba
 Hapana akazvarwa riri dofo nekuda
 Nyangwe dofo raive netariro yekugonawo chikoro
 Asi pamwe zvikaramba
 ♪
 Hapana akazvarwa ari hwindi uyo
 Nyangwe hwindi aive netariro yekuimba saDhehwa
 Asi pamwe zvikaramba
 Mahwindi muriko here?
 Tariro, ndine tariro, munhu wese ane tariro yekuita zvitsvene
 Asi pamwe zvinoramba
 ♪
 Tariro, ndine tariro, munhu wese ane tariro yekuita zvakanaka
 Asi pamwe zvinoramba
 Hapana akazvarwa ari murombo nekuda
 Nyangwe murombo ane tariro yekuvawo mupfumi
 Asi pamwe zvinoramba
 Hapana akazvarwa achida kufawo
 Baba vangu vaive netariro yekurarama
 Asi Mwari vakaramba
 Hapana akazvarwa iri nzenza nekuda
 Nyangwe nzenza yaive netariro yekuvaka imba yayo
 Asi pamwe zvikaramba
 Hapana akazvarwa riri dofo nekuda
 Nyangwe dofo raive netariro yekugonawo chikoro
 Asi pamwe zvikaramba
 Hapana akazvarwa ari hwindi uyo
 Nyangwe hwindi aive netariro yekuimba saDhehwa
 Asi pamwe zvikaramba
 Tariro, ndine tariro, munhu wese ane tariro yekuita zvitsvene
 Asi pamwe zvinoramba
 ♪
 Saka vimba nazvo zvaunazvo iwewe
 (Vimba nazvo) iwewe (zvaunazvo) iwewe
 (Poza nazvo) iwewe (zvaunazvo) iwewe
 (Poza nazvo) iwewe (zvaunazvo) iwewe
 (Dada nazvo) iwewe (zvaunazvo)
 Saka vimba nazvo zvaunazvo iwewe
 (Vimba nazvo) iwewe (zvaunazvo) iwewe
 (Poza nazvo) iwewe (zvaunazvo) iwewe
 (Poza nazvo) iwewe (zvaunazvo) iwewe
 (Dada nazvo) iwewe (zvaunazvo) iwewe
 (Dada nazvo) iwewe (zvaunazvo)
 

Audio Features

Song Details

Duration
07:03
Key
7
Tempo
127 BPM

Share

More Songs by Tongai Moyo

Similar Songs