Ndinokakama
4
views
Lyrics
Mwari munonditumirei kuIjipita muchiona ndinokakama? Munonditumirei kuye kuye, Mwari inga ndinokakama? Kana ndichinge ndokurukura nevanhu venyu ndinoti ndatumwa nani? Ehe vachandibvunza, "Watumwa nani", ndinoti ndatumwa nani? Ishe ini ndini aniko wamungatuma kukutorerai vanhu venyu? Mwari ini ndini aniko wamungatuma kundotora vanhu venyu? Ini handigoni kutaura, kubvira nokubvira Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka Handigoni kutaura, kubvira nokubvira Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka Mwari tsvagai mumwe, wamungawana Wamungatuma, kwete ndinokakama Mwari tsvagai mumwe wamungawana Wamungatuma, inini ndinokakama ♪ Hurema hwako, hurema hwako Husakutadzise kushandira Mwari wako Hurema hako, hurema hwako Husakutadzise kushandira Mwari wako Kunyangwe ukasvika pagungwa rakatsamwa Jehovah vanotsemura upinde Nyangwe ukasvika pagungwa rakashatirwa Jehovah vanotsemura upinde Kunyangwe ukasvika pamvura dzinovava Jehovah vanoshandura imwike Ndatika paMara pamvura dzinovava Jehovah vanoshandura imwike Kunyangwe murenje munzvimbo musina nemvura Uchamwa yemudombo nekuti Jehovah ndiMwari Kunyangwe murenje munzvimbo musina nemvura Uchamwa yemudombo nekuti Jehovah ndiMwari Peace be unto you ♪ Mwari munonditumirei kuIjipita muchiona ndinokakama? Baba kana ndichinge ndava kutaura nevanhu venyu ndinoti ndatumwa nani? Kana vachindibvunza, "Watumwa nani", ndinoti ndatumwa nani? Koo, ini ndini aniko wamazotuma kundotora vanhu venyu? Ini handigoni kutaura, kubvira nokubvira Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka Ishe handigoni kutaura, kubvira nokubvira Kubva ndichimudiki rurimi rwunononoka Mwari tsvagai mumwe, wamungawana, wamungatuma Kwete ndinokakama Mwari tsvagai mumwe wamungawana, wamungatuma Kwete ndinokakama Hurema hwako, hurema hwako Husakutadzise kushandira Mwari wako Hurema hako, hurema hwako Husakutadzise kushandira Mwari wako Kunyangwe ukasvika pagungwa rakatsamwa Jehovah vanotsemura upinde Kunyangwe ukasvika pagungwa rakashatirwa Jehovah vanotsemura upinde Ndatika paMara pamvura dzinovava Jehovah vanoshandura imwike Nyangwe paMara pamvura dzinovava, Jehovah vanoshandura imwike Kunyangwe murenje munzvimbo musina nemvura Uchamwa yemudombo nokuti Jehovah ndiMwari Yee
Audio Features
Song Details
- Duration
- 06:39
- Key
- 7
- Tempo
- 130 BPM