Nyika

6 views

Lyrics

Zvamunoona nyika ino yatigere
 Ndakayedza kuidya, nyika ikaramba kupera
 Zvamunoona nyika yatinogara iyi
 Ndakayedza kuidya, iyo nyika ikaramba kupera
 Ndakapinda munzvimbo dzemafaro dzakawanda
 Kuzama kuidya, nyika ichiramba kupera
 Nemuchadenga ndakambofariramo
 Ndichiyedza kuidya, nyika ikaramba kupera
 Nepasi pemvura ndakaroverapo
 Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera
 Mhiri kwemakungwa ndakaroverako
 Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera
 Shamwari dzangu vatema navachena
 Kuyedza kuidya, nyika ikaramba kupera
 Shamwari dzangu vatete navakobvu
 Kuyedza kuidya, nyika ikaramba kupera
 Vandakatamba navo vazhinji ave makuva
 Ehunde vakafira muzvivi
 Vandakafara navo vazhinji vakaenda
 Ehunde vakafira muzvivi
 Pandakazotarira, maiwe ndookuona
 Inga varume, inga ndini ndotopera
 Asi chandakadzidza nditeererei vakomana
 Jehova ndiMwari akandida
 Mwari makaita nyasha, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu
 Mwari makaita nyasha, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu
 Jehova Mwari makanaka, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu
 Jehova Mwari makanaka, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni
 ♪
 Hama zvamunoona nyika ino yatigere
 Ndakayedza kuidya, nyika ikaramba kupera
 Ndakapinda munzvimbo dzemafaro dzakawanda
 Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera
 Nemuchadenga ndakambofariramo
 Kuzama kuidya, nyika ichiramba kupera
 Mhiri kwemakungwa ndakaroverako
 Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera
 Shamwari dzangu vatema navachena
 Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera
 Vandakatamba navo vazhinji ave makuva
 Ehunde vakafira muzvivi
 Vandakafara navo vazhinji vakaenda
 Ndovadana ndichiti, "Kwaiva namushakabvu nhingi"
 Pandakazotarira, maiwe ndookuona
 Inga varume, inga ndini ndotopera
 Asi chandakadzidza nditeererei vasikana
 Jehova ndiMwari anengoni
 Mwari makaita nyasha, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune nyasha, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu
 Jehova Mwari makanaka, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu
 Baba vangu makanaka, makaita zvenyu
 Jehova Mwari mune ngoni
 

Audio Features

Song Details

Duration
06:12
Key
5
Tempo
111 BPM

Share

More Songs by Charles Charamba

Similar Songs