Nyika
6
views
Lyrics
Zvamunoona nyika ino yatigere Ndakayedza kuidya, nyika ikaramba kupera Zvamunoona nyika yatinogara iyi Ndakayedza kuidya, iyo nyika ikaramba kupera Ndakapinda munzvimbo dzemafaro dzakawanda Kuzama kuidya, nyika ichiramba kupera Nemuchadenga ndakambofariramo Ndichiyedza kuidya, nyika ikaramba kupera Nepasi pemvura ndakaroverapo Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera Mhiri kwemakungwa ndakaroverako Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera Shamwari dzangu vatema navachena Kuyedza kuidya, nyika ikaramba kupera Shamwari dzangu vatete navakobvu Kuyedza kuidya, nyika ikaramba kupera Vandakatamba navo vazhinji ave makuva Ehunde vakafira muzvivi Vandakafara navo vazhinji vakaenda Ehunde vakafira muzvivi Pandakazotarira, maiwe ndookuona Inga varume, inga ndini ndotopera Asi chandakadzidza nditeererei vakomana Jehova ndiMwari akandida Mwari makaita nyasha, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu Mwari makaita nyasha, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu Jehova Mwari makanaka, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu Jehova Mwari makanaka, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni ♪ Hama zvamunoona nyika ino yatigere Ndakayedza kuidya, nyika ikaramba kupera Ndakapinda munzvimbo dzemafaro dzakawanda Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera Nemuchadenga ndakambofariramo Kuzama kuidya, nyika ichiramba kupera Mhiri kwemakungwa ndakaroverako Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera Shamwari dzangu vatema navachena Kuyedza kuidya, nyika ichiramba kupera Vandakatamba navo vazhinji ave makuva Ehunde vakafira muzvivi Vandakafara navo vazhinji vakaenda Ndovadana ndichiti, "Kwaiva namushakabvu nhingi" Pandakazotarira, maiwe ndookuona Inga varume, inga ndini ndotopera Asi chandakadzidza nditeererei vasikana Jehova ndiMwari anengoni Mwari makaita nyasha, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu Jehova Mwari mune nyasha, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu Jehova Mwari makanaka, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni, makaita zvenyu Baba vangu makanaka, makaita zvenyu Jehova Mwari mune ngoni
Audio Features
Song Details
- Duration
- 06:12
- Key
- 5
- Tempo
- 111 BPM