Batai Mazwi

3 views

Lyrics

Kana ndichishaura batai mazwi
 Kuitira mangwana
 Kana ndichishaura batai mazwi
 Kuitira mangwana
 Vamwe vanozodudzira nepasipo
 Vamwe ndevanofamba vachiti hazvizi zvake
 Vamwe vanozodudzira nepasipo
 Vamwe ndevanofamba vachiti hazvizi zvake
 Asi chakanaka chakanaka ngatirumbidzei
 Hama handireve kana kuvenga munhu
 Asi ndinoshaura zviitiko zvenyika
 Saka chakanaka chakanaka ngatirumbidzei
 Hama mamwe maitiro anoyemurika
 Asi mamwe maitiro anoshoreka
 Hanzi kumwe kuzvara chokwadi kunodadisa
 Asi kumwe kuzvara chokwadi kunoparira
 Kumwe kuzvara hama kunodadisa
 Asi kumwe kuzvara chokwadi kunoparira
 Hanzi ndakamurera mwana wangu wega
 Mumwe chete sezai regondo
 Hanzi ndakamuyarutsa mwana wangu wega
 Mumwe akadai sezai regondo
 Hanzi ndaigwadama mabvi nemagokora
 Zuva nezuvaka kuvachengeti
 Hanzi ndaigwadama mabvi nemagokora
 Zuva nezuvaka kuvachengeti
 Ndikati Samatenga tariraiwo nhiyo yangu iyi
 Nerimwe zuva richava jongwe
 Mambo wangu tariraiwo nyenye yangu iyi
 Nerimwe zuva ichava nhongo
 Tenzi wangu tariraiwo mhuru yangu iyi
 Nerimwe zuva ichava handira
 Nhamo yandakaona chitaurirwa hama
 Mvemve nenyatera ndokwakava kupfeka kwangu
 Ndakange ndotosemesa kudya neni mundiro imwe
 Mwana ndakamuyarutsa nemari yemusika
 Maricho nezvikwereti mumana muno
 Ndaitika chirere chichazokurerawo
 Akura zvake mwana ave kuzvionera
 Nhasi opembera nenyika yeZimbabwe
 Ini ndinongotambura wani nanhasi
 Ko kana ndikarwara ndiri ndega
 Unonzwa naniko mwanangu kani
 Ungazofara here ukawana ndave rinda
 Zvaunodai kurova mwanangu
 Ungazofara here ukawana ndave rinda
 Zvaunodai kurova mwanangu
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Ziva kwawakabva iwe mwanangu kani
 Dzamisa ndangariro uringe shure kwako
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Nhasi zvinondinetsa ndozviudza aniko
 Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
 Idi zvinondinetsa ndozviudza aniko
 Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Ziva kwawakabva iwe mwanangu kani
 Dzamisa ndangariro uringe shure kwako
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
 Ziva midzi yako mwananguka
 Unoda kutanga watenga ndege here nhai mwanangu chokwadi?
 Unoda kutanga watenga chitima here nhai mwanangu chokwadi?
 Zvimwe unoda kutenga ngarava togofamba nemumvura mwanangu
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Ziva kwawakabva iwe mwanangu kani
 Dzamisa ndangariro uringe shure kwako
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa
 Ziva midzi yako mwanangu kani
 Nhasi zvinondinetsa ndozviudza aniko
 Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
 Ini zvinondinetsa ndozviudza aniko
 Zvandaiti ndiwe baba vemangwana
 Wadarireiko mwanangu?
 Wadarireiko mwanangu?
 Wandipa kuchema mwanangu
 Wandipa kusvimha mwanangu
 Iyo iyooo
 Mwanangu'we usakanganwe
 Mwanangu'we zvinyore muhana
 Mwanangu uhu hupenyu
 Mwanangu, tiri huruva
 Mwanangu uhu hupenyu
 Mwanangu, tiri huruva
 Mwanangu'we usakanganwe
 Mwanangu'we zvinyore muhana
 Kutapira kwemuchero, mwanangu
 Kwakabva nemukaruva, mwanangu
 Kutapira kwemuchero, mwanangu
 Kwakabva nemukaruva, mwanangu
 Kukuridza kwejongwe, mwanangu
 Raimbovewo zanda, mwanangu
 Kukuridza kwejongwe, mwanangu
 Raimbovewo zanda, mwanangu
 Mwanangu'we usakanganwe
 Mwanangu'we zvinyore muhana
 

Audio Features

Song Details

Duration
11:17
Key
11
Tempo
128 BPM

Share

More Songs by Leonard Zhakata

Similar Songs