Batai Mazwi
3
views
Lyrics
Kana ndichishaura batai mazwi Kuitira mangwana Kana ndichishaura batai mazwi Kuitira mangwana Vamwe vanozodudzira nepasipo Vamwe ndevanofamba vachiti hazvizi zvake Vamwe vanozodudzira nepasipo Vamwe ndevanofamba vachiti hazvizi zvake Asi chakanaka chakanaka ngatirumbidzei Hama handireve kana kuvenga munhu Asi ndinoshaura zviitiko zvenyika Saka chakanaka chakanaka ngatirumbidzei Hama mamwe maitiro anoyemurika Asi mamwe maitiro anoshoreka Hanzi kumwe kuzvara chokwadi kunodadisa Asi kumwe kuzvara chokwadi kunoparira Kumwe kuzvara hama kunodadisa Asi kumwe kuzvara chokwadi kunoparira Hanzi ndakamurera mwana wangu wega Mumwe chete sezai regondo Hanzi ndakamuyarutsa mwana wangu wega Mumwe akadai sezai regondo Hanzi ndaigwadama mabvi nemagokora Zuva nezuvaka kuvachengeti Hanzi ndaigwadama mabvi nemagokora Zuva nezuvaka kuvachengeti Ndikati Samatenga tariraiwo nhiyo yangu iyi Nerimwe zuva richava jongwe Mambo wangu tariraiwo nyenye yangu iyi Nerimwe zuva ichava nhongo Tenzi wangu tariraiwo mhuru yangu iyi Nerimwe zuva ichava handira Nhamo yandakaona chitaurirwa hama Mvemve nenyatera ndokwakava kupfeka kwangu Ndakange ndotosemesa kudya neni mundiro imwe Mwana ndakamuyarutsa nemari yemusika Maricho nezvikwereti mumana muno Ndaitika chirere chichazokurerawo Akura zvake mwana ave kuzvionera Nhasi opembera nenyika yeZimbabwe Ini ndinongotambura wani nanhasi Ko kana ndikarwara ndiri ndega Unonzwa naniko mwanangu kani Ungazofara here ukawana ndave rinda Zvaunodai kurova mwanangu Ungazofara here ukawana ndave rinda Zvaunodai kurova mwanangu Ziva midzi yako mwanangu kani Ziva kwawakabva iwe mwanangu kani Dzamisa ndangariro uringe shure kwako Ziva midzi yako mwanangu kani Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa Ziva midzi yako mwanangu kani Nhasi zvinondinetsa ndozviudza aniko Zvandaiti ndiwe baba vemangwana Idi zvinondinetsa ndozviudza aniko Zvandaiti ndiwe baba vemangwana Ziva midzi yako mwanangu kani Ziva kwawakabva iwe mwanangu kani Dzamisa ndangariro uringe shure kwako Ziva midzi yako mwanangu kani Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa Ziva midzi yako mwananguka Unoda kutanga watenga ndege here nhai mwanangu chokwadi? Unoda kutanga watenga chitima here nhai mwanangu chokwadi? Zvimwe unoda kutenga ngarava togofamba nemumvura mwanangu Ziva midzi yako mwanangu kani Ziva kwawakabva iwe mwanangu kani Dzamisa ndangariro uringe shure kwako Ziva midzi yako mwanangu kani Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa Ziva midzi yako mwanangu kani Hanzi nzombe huru yakabva mukurerwa Ziva midzi yako mwanangu kani Nhasi zvinondinetsa ndozviudza aniko Zvandaiti ndiwe baba vemangwana Ini zvinondinetsa ndozviudza aniko Zvandaiti ndiwe baba vemangwana Wadarireiko mwanangu? Wadarireiko mwanangu? Wandipa kuchema mwanangu Wandipa kusvimha mwanangu Iyo iyooo Mwanangu'we usakanganwe Mwanangu'we zvinyore muhana Mwanangu uhu hupenyu Mwanangu, tiri huruva Mwanangu uhu hupenyu Mwanangu, tiri huruva Mwanangu'we usakanganwe Mwanangu'we zvinyore muhana Kutapira kwemuchero, mwanangu Kwakabva nemukaruva, mwanangu Kutapira kwemuchero, mwanangu Kwakabva nemukaruva, mwanangu Kukuridza kwejongwe, mwanangu Raimbovewo zanda, mwanangu Kukuridza kwejongwe, mwanangu Raimbovewo zanda, mwanangu Mwanangu'we usakanganwe Mwanangu'we zvinyore muhana
Audio Features
Song Details
- Duration
- 11:17
- Key
- 11
- Tempo
- 128 BPM