Tarisiro

4 views

Lyrics

Kumavambo kwazvo hakuna chakanaka
 Hakuna chinorema, hakuna kutyira kure
 Kumavambo kwazvo hakuna chakanaka
 Hakuna chinorema, hakuna kutyira kure
 Hakuna chinorema (chinorema)
 Hakuna vetsimbe
 Tarisiro chete, tarisiro ihuru
 Hakuna zvinorema (chinorema)
 Hakuna vetsimbe
 Tarisiro chete, tarisiro ihuru
 ♪
 Ungapinde murudo nyaya ndiyo-ndiyo
 Tarisiro chete, tarisiro ihuru
 Ungapinde murudo nyaya ndiyo-ndiyo
 Tarisiro chete, tarisiro ihuru
 Mai vachimuyarutsa mwanasikana uyu
 Tarisiro yavo, tarisiro ihuru
 Mai vachimuyarutsa mwanasikana uyu
 Tarisiro yavo, tarisiro ihuru
 Baba vachimuyarutsa mwana wavo
 Tarisiro yavo, tarisiro ihuru
 Baba vachimuyarutsa mwana wavo
 Tarisiro yavo, tarisiro ihuru
 Kunyangwe naiyewo mwanasikana uyu
 Anodawo rudo rwakaropafadzwa
 Kunyangwe naiyewo mwanakomana uyu
 Anodawo raramo yakarurama
 Ndati nyangwe naiye mwanasikana uyu
 Anodawo rudo rwakakomborerwa
 Kunyangwe naiyewo mwanakomana uyu
 Anodawo raramo yakarurama
 Vanogona zvavo vanonyengetera (vonyengetera)
 Vachikumbira kundiso kuna Baba
 Vanogona zvavo vanonyengetera (vonyengetera)
 Vachikumbira kundiso kuna Baba
 Batai munyengetero (batai munyengetero) imi
 Mukakumbira chete Baba vanopa
 Batai munyengetero (batai munyengetero)
 Mukakumbira chete Baba vanopa
 Hakuna chingakona, hakuna chingarema
 Ukakumbira chete Baba vanopa
 Hakuna chinorema, hakuna chingakona
 Ukakumbira chete Baba vanopa
 ♪
 Muchimuona kudai mwana wechikoro
 Tarisiro yake, tarisiro ihuru
 Muchimuona kudai mwana wechikoro
 Tarisiro yakewo, tarisiro ihuru
 Nemiwo rungwana ngwana makanangepiko?
 Tarisiro yenyuwo, hupenyu hutsva
 Nemiwo rungwana ngwana makanangepiko?
 Tarisiro yenyuwo, hupenyu hutsva
 Vanogona zvavo vanonyengetera (vonyengetera)
 Vachikumbira kundiso kuna Baba
 Vanogona zvavo vanonyengetera (vonyengetera)
 Vachikumbira kundiso kuna Baba
 Batai munyengetero (batai munyengetero) imi
 Mukakumbira chete Baba vanopa
 Batai munyengetero (batai munyengetero)
 Mukakumbira chete Baba vanopa
 Hakuna chingakona, hakuna chingarema
 Ukakumbira chete Baba vanopa
 Hakuna chinorema, hakuna chingakona
 Ukakumbira chete Baba vanopa
 ♪
 Vakagona zvavo vakanyengetera
 Vakakumbira kundiso Baba vakapa
 Vakagona zvavo vakanyengetera
 Vakakumbira kundiso Baba vakapa
 Vapembedzei amai ava
 Vana ava vakateerera
 Vapembedzei baba ava
 Vana ava vakateerera
 Mupembedzei mwanasikana
 Mwana uyu wakateerera uyu
 Mupembedzei mwanakomana
 Mwana uyu wakateerera uyu
 Vakagona zvavo vakanyengetera
 Vakakumbira kundiso Baba vakapa
 Hakuna chingakona, hakuna chingarema
 Ukakumbira chete Baba vanopa
 

Audio Features

Song Details

Duration
08:58
Key
11
Tempo
121 BPM

Share

More Songs by Leonard Zhakata

Similar Songs