Maruva Enyika
3
views
Lyrics
Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo kutisikira maruva enyika vanasikana Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo kutisikira maruva enyika vanasikana Vetsiye nyoro verunako vecheno madzimai ngaarumbidzwe Vetsiye nyoro verunako vecheno madzimai ngaarumbidzwe Deno vasiko madzimai edu aya varume nyika ino ingadai iri yembavha nemhondi chete Deno vasiko madzimai edu aya varume nyika ino ingadai iri yembavha nemhondi chete Vageza zvavo vadye jira vanasikana huya uone migwagwa yobwinya necheno iyo Vageza zvavo vadye jira vanasikana huya uone migwagwa yobwinya necheno iyo Buda mumba madeukazuva mumwe wangu iwe Huya uone guta riye rashongedzwa Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo kutisikira maruva enyika vanasikana Tinotenda isu tinotenda Tinotenda Baba tinotenda Tarira nyika iye yatekeshera madzimai Honaka nyika iye yofashukira madzimai Tarira nyika iye yatekeshera madzimai Honaka nyika iye yofashukira madzimai Iwe ndiwe wakaita seiko usina wako Sarura wako mumwe chete wekuvimba naye Iwe ndiwe wakaita seiko usina wako Sarura wako mumwe chete wekuvimba naye Asina hameno zvake Asina hameno zvake Asina hameno zvake Asina hameno zvake Asina hameno zvake Asina ifuza iro Tarira zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana) Honavo zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana) Tarira zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana) Honavo zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana) Wogowongorora zvoita vamwe vanodanana (vanodanana) Iwe yemurawo zvoita vanodanana (vanodanana) Wogowongorora zvoita vamwe vanodanana (vanodanana) Asi rega kutaurwa moyo kana kuchiva Zviitiko zvenyika haungazvikwanise Zviitiko zvenyika haungazvikwanise babe Zviitiko zvenyika haungazvikwanise Zviitiko zvenyika haungazvikwanise gufela Zviitiko zvenyika haungazvikwanise Zviitiko zvenyika haungazvikwanise chenjera Poison yakadirwa mutsime rinocherwa nemunhu wese Ndianiko achararama pamukondombera Vakange vauya zvakanaka madzimai Kutipanga mazano kutivaraidzaka Vakange vauya zvakanaka madzimai Kutipanga mazano kutivaraidzaka Ungararame seiko usina wako anokuyemura Upenyu hwacho hungatobhowa Chokwadi hungatobhowa
Audio Features
Song Details
- Duration
- 10:51
- Tempo
- 135 BPM