Maruva Enyika

3 views

Lyrics

Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo kutisikira maruva enyika vanasikana
 Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo kutisikira maruva enyika vanasikana
 Vetsiye nyoro verunako vecheno madzimai ngaarumbidzwe
 Vetsiye nyoro verunako vecheno madzimai ngaarumbidzwe
 Deno vasiko madzimai edu aya varume nyika ino ingadai iri yembavha nemhondi chete
 Deno vasiko madzimai edu aya varume nyika ino ingadai iri yembavha nemhondi chete
 Vageza zvavo vadye jira vanasikana huya uone migwagwa yobwinya necheno iyo
 Vageza zvavo vadye jira vanasikana huya uone migwagwa yobwinya necheno iyo
 Buda mumba madeukazuva mumwe wangu iwe
 Huya uone guta riye rashongedzwa
 Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo kutisikira maruva enyika vanasikana
 Tinotenda isu tinotenda
 Tinotenda Baba tinotenda
 Tarira nyika iye yatekeshera madzimai
 Honaka nyika iye yofashukira madzimai
 Tarira nyika iye yatekeshera madzimai
 Honaka nyika iye yofashukira madzimai
 Iwe ndiwe wakaita seiko usina wako
 Sarura wako mumwe chete wekuvimba naye
 Iwe ndiwe wakaita seiko usina wako
 Sarura wako mumwe chete wekuvimba naye
 Asina hameno zvake
 Asina hameno zvake
 Asina hameno zvake
 Asina hameno zvake
 Asina hameno zvake
 Asina ifuza iro
 Tarira zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
 Honavo zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
 Tarira zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
 Honavo zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
 Wogowongorora zvoita vamwe vanodanana (vanodanana)
 Iwe yemurawo zvoita vanodanana (vanodanana)
 Wogowongorora zvoita vamwe vanodanana (vanodanana)
 Asi rega kutaurwa moyo kana kuchiva
 Zviitiko zvenyika haungazvikwanise
 Zviitiko zvenyika haungazvikwanise babe
 Zviitiko zvenyika haungazvikwanise
 Zviitiko zvenyika haungazvikwanise gufela
 Zviitiko zvenyika haungazvikwanise
 Zviitiko zvenyika haungazvikwanise chenjera
 Poison yakadirwa mutsime rinocherwa nemunhu wese
 Ndianiko achararama pamukondombera
 Vakange vauya zvakanaka madzimai
 Kutipanga mazano kutivaraidzaka
 Vakange vauya zvakanaka madzimai
 Kutipanga mazano kutivaraidzaka
 Ungararame seiko usina wako anokuyemura
 Upenyu hwacho hungatobhowa
 Chokwadi hungatobhowa

Audio Features

Song Details

Duration
10:51
Tempo
135 BPM

Share

More Songs by Leonard Zhakata

Similar Songs