Tsime Rapwa

3 views

Lyrics

Tsime rapwa mudiwa kani
 Tsime rapwa mudiwa kani
 Tsime rapwa mudiwa hameno tichapona nei
 Hameno tichapona nei, hameno tichapona nei tsime rapwa
 ♪
 Mugodhi uya wadhirika dhiya wangu iwe
 Mugodhi uya wadhirika dhiya kani iwe
 Mugodhi uya wadhirika dhiya wangu hameno tichapona nei
 Hameno tichapona nei, hameno tichapona mugodhi uya wadhirika
 ♪
 Wakandirongera yakapenga
 Kundirongera yakapenga
 Vakandirongera yakapenga
 Kundirongera yakapenga
 Vakandivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka handizive vanorweiko ava
 Kundivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka handizive vanorweiko ava
 Vakandivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka handizive vanorweiko ava
 Hameno zvavo
 ♪
 Ini ndaiti tinongoshanda basa sebasa, zvinani kuti kunoshandwa vanhu kuye
 Ini ndaiti tinongoshanda basa sebasa, zvinani kuti kunoshandwa vanhu kuye
 Paye ndaiti tinongoshanda basa sebasa, zvinani kuti kunoshandwa vanhu kuye
 Wakandirongera yakapenga
 Kundirongera yakapenga
 Vakandirongera yakapenga
 Ndarangarira gore riya remaguta, waidya uchisiya mudiwa wangu paye
 Ndarangarira gore riya remaguta, waidya uchisiya mudiwa wangu paye
 Ndarangarira gore riya remaguta, waidya uchisiya mudiwa wangu paye
 Uchidei changonanga kumaruva?
 ♪
 Vakandivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka vanoda mudiwa utize nzara paneni
 Kundivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka vanoda mudiwa utize nzara pandiri
 Siyana navo
 Zvinowanikwa dhiya, zvinowanikwa
 Izvi zvinowanikwa, honey, zvinowanikwa
 Izvi zvinowanikwa, chokwadi zvinowanikwa
 ♪
 Rudo serudo mumhango medu umo dhiya iwe, hazvinei kuti hatina ndarama isu
 Rudo serudo mumhango medu umo mudiwa, hazvinei kuti hatina ndarama isu
 Rudo serudo mudumba medu umo dhiya iwe, hazvinei homwe dzakapenguka wena
 Rudo serudo mudumba medu umo dhiya iwe, hazvinei homwe dzakapenguka
 Zvinowanikwa, izvi zvinowanikwa
 Dhiya, zvinowanikwa
 Izvi zvinowanikwa, mudiwa, zvinowanikwa
 Izvi zvinowanikwa, chokwadi zvinowanikwa
 ♪
 Kumusha, ndafunga usabhuku
 Kumusha, guta randisvipa
 Kumusha, ndafunga usabhuku
 Kumusha, dhorobha randisvipa
 

Audio Features

Song Details

Duration
10:24
Tempo
124 BPM

Share

More Songs by Leonard Zhakata

Similar Songs