Tsime Rapwa
3
views
Lyrics
Tsime rapwa mudiwa kani Tsime rapwa mudiwa kani Tsime rapwa mudiwa hameno tichapona nei Hameno tichapona nei, hameno tichapona nei tsime rapwa ♪ Mugodhi uya wadhirika dhiya wangu iwe Mugodhi uya wadhirika dhiya kani iwe Mugodhi uya wadhirika dhiya wangu hameno tichapona nei Hameno tichapona nei, hameno tichapona mugodhi uya wadhirika ♪ Wakandirongera yakapenga Kundirongera yakapenga Vakandirongera yakapenga Kundirongera yakapenga Vakandivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka handizive vanorweiko ava Kundivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka handizive vanorweiko ava Vakandivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka handizive vanorweiko ava Hameno zvavo ♪ Ini ndaiti tinongoshanda basa sebasa, zvinani kuti kunoshandwa vanhu kuye Ini ndaiti tinongoshanda basa sebasa, zvinani kuti kunoshandwa vanhu kuye Paye ndaiti tinongoshanda basa sebasa, zvinani kuti kunoshandwa vanhu kuye Wakandirongera yakapenga Kundirongera yakapenga Vakandirongera yakapenga Ndarangarira gore riya remaguta, waidya uchisiya mudiwa wangu paye Ndarangarira gore riya remaguta, waidya uchisiya mudiwa wangu paye Ndarangarira gore riya remaguta, waidya uchisiya mudiwa wangu paye Uchidei changonanga kumaruva? ♪ Vakandivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka vanoda mudiwa utize nzara paneni Kundivharira mukova wekupinda mudura rezvakanaka vanoda mudiwa utize nzara pandiri Siyana navo Zvinowanikwa dhiya, zvinowanikwa Izvi zvinowanikwa, honey, zvinowanikwa Izvi zvinowanikwa, chokwadi zvinowanikwa ♪ Rudo serudo mumhango medu umo dhiya iwe, hazvinei kuti hatina ndarama isu Rudo serudo mumhango medu umo mudiwa, hazvinei kuti hatina ndarama isu Rudo serudo mudumba medu umo dhiya iwe, hazvinei homwe dzakapenguka wena Rudo serudo mudumba medu umo dhiya iwe, hazvinei homwe dzakapenguka Zvinowanikwa, izvi zvinowanikwa Dhiya, zvinowanikwa Izvi zvinowanikwa, mudiwa, zvinowanikwa Izvi zvinowanikwa, chokwadi zvinowanikwa ♪ Kumusha, ndafunga usabhuku Kumusha, guta randisvipa Kumusha, ndafunga usabhuku Kumusha, dhorobha randisvipa
Audio Features
Song Details
- Duration
- 10:24
- Tempo
- 124 BPM