Yarutso

3 views

Lyrics

Ndangariro dzinonditi pakukura kwedu
 Takanga takaputirwa ko taizivei
 Ndangariro dzinonditi pakukura kwedu
 Takanga takaputirwa ko taizivei
 Kuzvikoro kumitambo taisanga
 Haiwa mufaro, ko taizivei
 Kuzvikoro kumitambo taisanga
 Haiwa mufaro, ko taizivei
 Pakuzvarwa takapfumbatiswa zvakasiyana
 Ko zvinaniko, ko taizivei
 Pakuzvarwa takapfumbatiswa zvakasiyana
 Ko zvinaniko, ko taizivei
 Nyani zvoyosiyana mirairo yosiyana
 Ko zvinaniko, ko taizivei
 Nyani zvayosiyana mirairo yosiyana
 Ko zvinaniko, ko taizivei
 Tayaruka
 Ngana kwake, ngana kwake
 Yave dudziro
 Tayaruka
 Ngana kwake, ngana kwake
 Yave dudziro
 Ngana muparidzi
 Ngana anotora
 Ngana gweta
 Ngana manager
 Zora inongokiyakiyawo zvichitofamba
 Asi vananhingi vave vakuru chaivo
 Ngana muparidzi
 Ngana anotora
 Ngana gweta
 Ngana manager
 Zora inongokiyakiyawo zvichitofamba
 Asi vanamhofu vave vakuru chaivo
 Ndangariro dzinonditi pakukura kwedu
 Takanga takaputirwa ko taizivei
 Tayaruka
 Ngana kwake, ngana kwake
 Yave dudziro
 Hama ipa rutendo kunashe
 Iwe chipa rutendo nezvauri
 Mukoma ipa rutendo kunashe
 Iwe chipa kutendo nezvauri
 Seni ndopa rutendo kunashe
 Ini ndopa kunyanya naiyoyi muri
 Seni ndopa rutendo kunashe
 Ini ndopa kunyanya naiyoyi muri
 Nyangwe ndikafara sei nyangwe ndiri papi
 moyo wangu uri kwavari
 Nyangwe ndikafara sei nyangwe ndiri papi
 moyo wangu uri kwavari
 Nyangwe zvikaoma sei mukurarama
 Ndingakwira makata ndakavabereka
 Nyangwe zvikaoma sei mukurarama
 Ndingakwira makata ndakavabereka
 Deno manditendera kuvayarutsa mambo
 Kuti ndigoona kuti vachazovei
 Deno manditenderawo kuvayarutsa mambo
 Kuti ndigoona kuti vachazovei
 Dzoreredzo yangu ingangovabatsira
 Zviri nane ndiripo pane ndisipo
 Dzoreredzo yangu ingangovabatsira
 Zviri nane ndiripo pane ndisipo
 Shuviro yangu haingave nechirevo
 Ndokumbirawo nyasha kubva kwamuri
 Shuviro yangu haingave nechirevo
 Ndokumbirawo nyasha kubva kwamuri
 Deno manditendera kuvayarutsa mambo
 Kuti ndigoona kuti vachazovei
 Deno manditenderawo kuvayarutsa mambo
 Kuti ndigoona kuti vachazovei
 Pasi ratinotsika pasi rinovhurika
 Pasi rine nhomba pasi hariguti
 Pasi ratinotsika pasi rinoshama
 Pasi rine nhomba pasi hariguti
 Nzira dzatinofamba ndidzo dzine zvikara
 Tokumbirawo nyasha kubva kwamuri
 Mhepo yatinofema yakasenga hosha
 Tokumbirawo nyasha kubva kwamuri
 Deno manditendera kuvayarutsa mambo
 Kuti ndigoona kuti vachazovei
 Deno manditenderawo kuvayarutsa mambo
 Kuti ndigoona kuti vachazovei
 Deno manditendera kuvayarutsa mambo
 Kuti ndigoona kuti vachazovei
 Muchazoveiko vana vangu?
 Vana vevamwe vanodadisa
 Muchazoveiko vana vangu?
 Vana vevamwe vanodadisa
 Vanangu, muchazoveiko vana vangu?
 Vana vevamwe vanodadisa
 Ndingakonewa kudada nebudiriro yako
 Asi ndogodada nehunhu hwako
 Ndingakonewa kudada nebudiriro
 Asi ndogodada nehunhu hwako
 Mwanangu, uchazoveiko mwana wangu?
 Vana vevamwe vanodadisa
 Mwanangu, uchazoveiko mwana wangu?
 Vana vevamwe vanodadisa
 Mwanangu, uchazoveiko mwana wangu?
 Vana vevamwe vanodadisa
 Uko!
 Cho, cho, cho

Audio Features

Song Details

Duration
10:59
Key
4
Tempo
121 BPM

Share

More Songs by Leonard Zhakata

Similar Songs