Yarutso
3
views
Lyrics
Ndangariro dzinonditi pakukura kwedu Takanga takaputirwa ko taizivei Ndangariro dzinonditi pakukura kwedu Takanga takaputirwa ko taizivei Kuzvikoro kumitambo taisanga Haiwa mufaro, ko taizivei Kuzvikoro kumitambo taisanga Haiwa mufaro, ko taizivei Pakuzvarwa takapfumbatiswa zvakasiyana Ko zvinaniko, ko taizivei Pakuzvarwa takapfumbatiswa zvakasiyana Ko zvinaniko, ko taizivei Nyani zvoyosiyana mirairo yosiyana Ko zvinaniko, ko taizivei Nyani zvayosiyana mirairo yosiyana Ko zvinaniko, ko taizivei Tayaruka Ngana kwake, ngana kwake Yave dudziro Tayaruka Ngana kwake, ngana kwake Yave dudziro Ngana muparidzi Ngana anotora Ngana gweta Ngana manager Zora inongokiyakiyawo zvichitofamba Asi vananhingi vave vakuru chaivo Ngana muparidzi Ngana anotora Ngana gweta Ngana manager Zora inongokiyakiyawo zvichitofamba Asi vanamhofu vave vakuru chaivo Ndangariro dzinonditi pakukura kwedu Takanga takaputirwa ko taizivei Tayaruka Ngana kwake, ngana kwake Yave dudziro Hama ipa rutendo kunashe Iwe chipa rutendo nezvauri Mukoma ipa rutendo kunashe Iwe chipa kutendo nezvauri Seni ndopa rutendo kunashe Ini ndopa kunyanya naiyoyi muri Seni ndopa rutendo kunashe Ini ndopa kunyanya naiyoyi muri Nyangwe ndikafara sei nyangwe ndiri papi moyo wangu uri kwavari Nyangwe ndikafara sei nyangwe ndiri papi moyo wangu uri kwavari Nyangwe zvikaoma sei mukurarama Ndingakwira makata ndakavabereka Nyangwe zvikaoma sei mukurarama Ndingakwira makata ndakavabereka Deno manditendera kuvayarutsa mambo Kuti ndigoona kuti vachazovei Deno manditenderawo kuvayarutsa mambo Kuti ndigoona kuti vachazovei Dzoreredzo yangu ingangovabatsira Zviri nane ndiripo pane ndisipo Dzoreredzo yangu ingangovabatsira Zviri nane ndiripo pane ndisipo Shuviro yangu haingave nechirevo Ndokumbirawo nyasha kubva kwamuri Shuviro yangu haingave nechirevo Ndokumbirawo nyasha kubva kwamuri Deno manditendera kuvayarutsa mambo Kuti ndigoona kuti vachazovei Deno manditenderawo kuvayarutsa mambo Kuti ndigoona kuti vachazovei Pasi ratinotsika pasi rinovhurika Pasi rine nhomba pasi hariguti Pasi ratinotsika pasi rinoshama Pasi rine nhomba pasi hariguti Nzira dzatinofamba ndidzo dzine zvikara Tokumbirawo nyasha kubva kwamuri Mhepo yatinofema yakasenga hosha Tokumbirawo nyasha kubva kwamuri Deno manditendera kuvayarutsa mambo Kuti ndigoona kuti vachazovei Deno manditenderawo kuvayarutsa mambo Kuti ndigoona kuti vachazovei Deno manditendera kuvayarutsa mambo Kuti ndigoona kuti vachazovei Muchazoveiko vana vangu? Vana vevamwe vanodadisa Muchazoveiko vana vangu? Vana vevamwe vanodadisa Vanangu, muchazoveiko vana vangu? Vana vevamwe vanodadisa Ndingakonewa kudada nebudiriro yako Asi ndogodada nehunhu hwako Ndingakonewa kudada nebudiriro Asi ndogodada nehunhu hwako Mwanangu, uchazoveiko mwana wangu? Vana vevamwe vanodadisa Mwanangu, uchazoveiko mwana wangu? Vana vevamwe vanodadisa Mwanangu, uchazoveiko mwana wangu? Vana vevamwe vanodadisa Uko! Cho, cho, cho
Audio Features
Song Details
- Duration
- 10:59
- Key
- 4
- Tempo
- 121 BPM