Chitsva Chirimurutsoka

3 views

Lyrics

Imi munondivenga, kundivengera imba yangu
 Asi pandaivaka mose maizvionaka
 Hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka?
 Hapana chinouya choga usina kuchifambira
 Imi munondizvonda, kundizvondera mombe dzangu
 Asi pandakatenga mose maizviona
 Mukoma, hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka?
 Hapana chinouya choga usina kuchifambira
 Kana imi muchindizvonda, kundizvondera chipo changu
 Asi pandakapihwa mose maizvionaka
 Hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka
 Hapana chinouya choga usina kuchifambira
 ♪
 Meso dzvoko-dzvoko kazevezeve rinenge basa
 Kuda kuziva ndinozviita sei
 Ko ndibvunzeika munzwe kwandiri
 Zano marairanwa wani inga munozviziva wani

Audio Features

Song Details

Duration
04:03
Key
9
Tempo
131 BPM

Share

More Songs by Nyami Nyami Sounds

Similar Songs