Mwana Haaraswe

3 views

Lyrics

Wapindwa neiko nhai hanzvadzi yangu?
 Wapindwa neiko nhai mwanasikana?
 Wapindwa neiko nhai hanzvadzi yangu?
 Wapindwa neiko nhai mwanasikana?
 Regai kuti mopihwa chipo naMwari
 Chisiri chekutenga imi morasa
 Inga wani wanga wapiwa chipo chikuru
 Chipo chinokosha chekupiwa mwana
 Vamwe vanoparadza mari dzakawanda
 Vachienda kun'anga, n'anga nen'anga
 Kuti wangamuwane mwana havamuwane
 Iwewe kumupiwa iwe worasa
 Munhu vawarasa uyu aizokuchengeta
 Aizowe donzo rako aizowe baba vako
 Vakuru vakati, "Chawawana batisa
 Mudzimu haipe, haipe kaviri"
 Vakuru vakati, "Chawawana batisa
 Mudzimu haipe, haipe kaviri"
 ♪
 Hama dzangu chengetai vana havaraswe
 ♪
 Mwana haasi wekurasa anochengetwa
 Mwana haasi wekurasa anochengetwa
 Mwana haasi wekurasa anochengetwa
 Kana kupa mai vako vanochengeta
 Kana kupa baba vako vanochengeta
 Kana kupa sisi vako vanochengeta
 Mwana haasi wekurasa anochengetwa
 Mwana haasi wekurasa anochengetwa
 

Audio Features

Song Details

Duration
06:05
Key
7
Tempo
126 BPM

Share

More Songs by Nyami Nyami Sounds

Similar Songs