Mwana Haaraswe
3
views
Lyrics
Wapindwa neiko nhai hanzvadzi yangu? Wapindwa neiko nhai mwanasikana? Wapindwa neiko nhai hanzvadzi yangu? Wapindwa neiko nhai mwanasikana? Regai kuti mopihwa chipo naMwari Chisiri chekutenga imi morasa Inga wani wanga wapiwa chipo chikuru Chipo chinokosha chekupiwa mwana Vamwe vanoparadza mari dzakawanda Vachienda kun'anga, n'anga nen'anga Kuti wangamuwane mwana havamuwane Iwewe kumupiwa iwe worasa Munhu vawarasa uyu aizokuchengeta Aizowe donzo rako aizowe baba vako Vakuru vakati, "Chawawana batisa Mudzimu haipe, haipe kaviri" Vakuru vakati, "Chawawana batisa Mudzimu haipe, haipe kaviri" ♪ Hama dzangu chengetai vana havaraswe ♪ Mwana haasi wekurasa anochengetwa Mwana haasi wekurasa anochengetwa Mwana haasi wekurasa anochengetwa Kana kupa mai vako vanochengeta Kana kupa baba vako vanochengeta Kana kupa sisi vako vanochengeta Mwana haasi wekurasa anochengetwa Mwana haasi wekurasa anochengetwa
Audio Features
Song Details
- Duration
- 06:05
- Key
- 7
- Tempo
- 126 BPM