Panorwadza Moyo

3 views

Lyrics

Maihwi
 ♪
 Ndanzwa mhere kurira (mhere kurira)
 Tasiya pane watakunofushira (watakandofushira)
 Ndiani watungamira?
 Ndiani wafunga kunotichenesera nzira? (kuchenesa nzira)
 Hazvitidzimbe nyama (aiwa)
 Zvinotidzimba pakati pehana (pakati pehana)
 Chekuita hapana (hapana)
 Kwava kungomirira mhere yamangwana (mhere yamangwana)
 Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro)
 Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo)
 Baba nditakurei (Baba nditakurei)
 Ishe nditakurei (Ishe nditakure)
 Ndiyambutsei (ndiyambuke)
 Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei)
 Zvamatora ambuya, matora sekuru, hapana kacheche kauya
 Zvamatora mukoma, matora hanzvadzi, iyi nhamo handichaigona
 Misodzi yandachema ndazadza gungwa
 Tumirai ngirozi, ini dzonditakura
 Iri ngozi dai paita atsanangura
 Iyi njodzi yandikurira, amai ndagura
 Ndiani achandiraira? (-raira)
 Hama dzepedyo matsvaira
 Ndaisimbofunga ndichajaira
 Wedenga dai mandidaira (dairai waro)
 Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro)
 Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo)
 Baba nditakurei (Baba nditakurei)
 Ishe nditakurei (Ishe nditakurei)
 Ndiyambutsei (ndiyambuke)
 Kumakuva (eh) yakunge nzvimbo yekutandarira (yekutandarira)
 Nguva nenguva tongowanikwa tichidzoka setateya riva
 (Dzoka setateva riva)
 Ndanzwa mhere kurira (oh)
 Tasiya pano watakunofushira (watakunofushira)
 Ndiani watungamira?
 Ndiani wafunga kunotichenesera nzira? (Kuchenesa nzira)
 Hazvitidzimbe nyama (aiwa)
 Zvinotidzimba pakati pehana (pakati pehana)
 Chekuita hapana (hapanaba)
 Kwava kungomirira mhere yamangwana (mhere yamangwana)
 Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro)
 Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo)
 Baba nditakurei (Baba nditakurei)
 Ishe nditakurei (Ishe nditakurei)
 Ndiyambutsei (ndiyambuke)
 Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei)
 Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro)
 Munotipfudzirei kune nzira iyoyo (nzira idondo)
 Baba nditakurei (Baba nditakurei)
 Ishe nditakurei (Ishe nditakure)
 Ndiyambutsei (ndiyambuke)
 Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei)
 Munotipfuudzirei nepanorwadza moyo? (Dairai Waro)
 Munotipfudzirei kune nzira iyoyo? (Nzira idondo)
 Baba nditakurei (Baba nditakurei)
 Ishe nditakurei (Ishe nditakurei)
 Ndiyambutsei (ndiyambuke)
 Tenzi ndiyamurei (Tenzi ndiyamurei)
 Munotipfudzirei nepanorwadza moyo?
 (Panodzimba moyo)
 
Audio Features

Song Details

Duration
03:30
Key
7
Tempo
56 BPM

Share

More Songs by Winky D

Similar Songs